Isaiah 40

Kunyaradzwa kwaVanhu vaMwari

1Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu,
ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
2Taurai nounyoro kuJerusarema,
mudanidzire kwariri
kuti kubata kwaro kukuru kwapera,
uye kuti chivi charo charipirwa,
kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha
zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.
3Inzwi rounodanidzira achiti,
“Gadzirai nzira yaJehovha
mugwenga,
ruramisai mugwagwa
waMwari wedu murenje.
4Mipata yose ichasimudzirwa,
makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa;
nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.
5Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa,
uye marudzi ose avanhu achazviona.
Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”

6Inzwi rinoti, “Danidzirai.”
Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?”

“Vanhu vose vakaita souswa,
uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.
7Uswa hunooma uye maruva anowa,
nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo.
Zvirokwazvo vanhu uswa.
8Uswa hunooma uye maruva anowa,
asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”

9Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka,
kwirai pagomo refu.
Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka,
danidzirai nesimba, musatya;
muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
10Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba,
uye ruoko rwake runomubatira ushe.
Tarirai, mubayiro wake anawo,
uye zvaanoripira nazvo anazvo.
11Anofudza makwai ake somufudzi:
Anounganidza makwayana mumaoko ake
agoatakurira pedyo nomwoyo wake;
zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.

12Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake,
kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake?
Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu,
kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero,
nezvikomo pachiyero?
13Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha,
kana kumudzidzisa somudzidzisi wake?
14Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere,
uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka?
Ndianiko akamudzidzisa ruzivo
kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?

15Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo;
vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero;
anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka.
16Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari,
uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa.
17Ndudzi dzose dzakaita sepasina chinhu pamberi pake;
iye anodziona sedzisina maturo,
kunge dzisipo.

18Zvino, mungafananidza Mwari naaniko?
Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?
19Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba,
mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe,
uye anochiitira uketani hwesirivha.
20Murombo anoshayiwa chipo
anosarudza danda risingaori.
Anotsvaka mhizha kuti
imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.

21Hamuzivi here?
Hamuna kunzwa here?
Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here?
Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?
22Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika,
uye vanhu vayo vakaita semhashu.
Anotambanudza matenga setende,
agoawaridzira setende kuti agaremo.
23Anoita kuti machinda ave pasina,
uye anoderedza vatongi venyika ino kuti vave pasina.
24Vachangosimwa, vachangodyarwa,
vachangodzika midzi muvhu,
iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.

25“Mungandienzanisa naaniko?
Kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.
26Simudzai meso enyu mutarire kumatenga.
Ndianiko akasika zvose izvi?
Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe,
achidzidana imwe neimwe nezita rayo.
Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake,
hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.

27Unoreveiko, iwe Jakobho,
unogununʼuna chii, iwe Israeri uchiti,
“Nzira yangu haizivikanwi naJehovha;
Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?”
28Hauzivi here?
Hauna kunzwa here?
Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,
Musiki wamagumo enyika.
Haaneti kana kuziya,
uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.
29Anopa simba kuna vakarukutika,
uye anowedzera simba kuna vasina simba.
30Kunyange majaya anoneta uye anorukutika,
uye majaya anogumburwa agowa;
31asi avo vane tariro muna Jehovha
vachavandudza simba ravo.
Vachabhururuka namapapiro samakondo;
vachamhanya vasinganeti;
vachafamba vasingaziyi.
Copyright information for SnaBDSC